Zvombo zveShomwe

Zvombo zveShomwe (Nuclear Weapons) imhando yebhomba rinoputika richishandisa rupinguro rweshomwe yehatomu, uku kungava kushanduka kwemutowo wekubanzuka kweshomwe (nuclear fission) yehatomu kana kunyenguka kweshomwe (nuclear fusion) yehatomu. Nokumwe kutaura tinokwanisa kuti zvombo zveusomo. Hondo yeZvombo zveShomwe yakarwiwa kamwe apo United States of America yakadonhedza zvombo zveshomwe pamaguta eHiroshima neNagasaki kuJapan mugore 1945.

Kubvira pakadhuurwa mabhomba kuHiroshima neNagasaki, zvombo zveshomwe zvadhuurwa panhambo dzinodarika zviuru zviviri (2,000) nechinangwa chokuwongorora mashandiro uye kuratidzira ezvombo izvi. Nyika dzine zvombo zveshomwe kana dziri dzinozivikanwa kuti dziri kuzvitsvaga inyika shomane. Nyika dzinozivikanwa kuti dzakadhuura zvombo zveshomwe dzinosanganisira: United States, Soviet Union (Russia ndiyo yakagamuchidzwa zvombo zveshomwe), United Kingdom, France, China, India, Pakistan, neNorth Korea. Kune kufungidzira kuti Israel ine zvombo zveshomwe asi iyo Israel yaibvume kuti ine zvombo izvi. South Africa yakambenge yagadzira zvombo zveshomwe, asi kunonzi panguva yakanga yofa hutongi hwerusaruraganda zvombo izvi zvakagurunurwa, mushure mokunge South Africa yagamuchira Chibvumirano Chekumisa Kutekeshera kweZvombo zveShomwe.


Kurerutsa Mutauro

Izwi rokuti nucleus rakabva pazwi re Latin rokuti nuc rinoreva little nut, kernel or core - apa kuchirehwa chikamu chenzungu chakapfava, chinodyiwa, chisiri mateko. Saka pano kuturikira kernel kuChiShona tinenge toti shomwe kana kuti usomo. Shomwe kana kuti usomo zvinoreva mhodzi dzinowanikwa mukati memateko enzungu kana pakati pe tsongoro pamichero yakadai sehacha kana pfura - idzi dziri mhodzi dzakapfava uye dziine mafuta.

Other Languages
Afrikaans: Kernwapen
Alemannisch: Kernwaffe
aragonés: Arma nucleyar
العربية: سلاح نووي
asturianu: Arma nuclear
azərbaycanca: Nüvə silahı
башҡортса: Ядро ҡоралы
žemaitėška: Kondoulėnis gėnklos
беларуская: Ядзерная зброя
беларуская (тарашкевіца)‎: Ядзерная зброя
български: Ядрено оръжие
brezhoneg: Arm nukleel
català: Arma nuclear
čeština: Jaderná zbraň
Cymraeg: Arf niwclear
Deutsch: Kernwaffe
Ελληνικά: Πυρηνικό όπλο
Esperanto: Atombombo
español: Arma nuclear
eesti: Tuumarelv
euskara: Bonba nuklear
suomi: Ydinase
français: Arme nucléaire
Frysk: Kearnwapen
贛語: 核武器
galego: Arma nuclear
गोंयची कोंकणी / Gõychi Konknni: अणुबॉंब
हिन्दी: परमाणु बम
interlingua: Arma nuclear
Bahasa Indonesia: Senjata nuklir
íslenska: Kjarnorkuvopn
italiano: Arma nucleare
日本語: 核兵器
Basa Jawa: Gaman nuklir
қазақша: Ядролық қару
한국어: 핵무기
Кыргызча: Ядролук курал
Lëtzebuergesch: Atomwaff
latviešu: Kodolieroči
македонски: Нуклеарно оружје
മലയാളം: ആണവായുധം
Bahasa Melayu: Senjata nuklear
မြန်မာဘာသာ: အဏုမြူ လက်နက်
नेपाली: परमाणु बम
नेपाल भाषा: आणविक ल्वाभः
Nederlands: Kernwapen
norsk nynorsk: Atomvåpen
occitan: Arma nucleara
ਪੰਜਾਬੀ: ਨਿਊਕਲੀ ਬੰਬ
Pälzisch: Kernwaffe
پنجابی: ایٹم بمب
português: Bomba nuclear
română: Armă nucleară
संस्कृतम्: अण्वस्त्रम्
سنڌي: ائٽم بم
srpskohrvatski / српскохрватски: Nuklearno oružje
Simple English: Nuclear weapon
slovenčina: Jadrová zbraň
slovenščina: Jedrsko orožje
српски / srpski: Нуклеарно оружје
Seeltersk: Käädenwoape
Basa Sunda: Pakarang nuklir
svenska: Kärnvapen
Kiswahili: Bomu la nyuklia
తెలుగు: అణ్వాయుధం
Türkçe: Nükleer silah
татарча/tatarça: Атом-төш коралы
українська: Ядерна зброя
oʻzbekcha/ўзбекча: Yadro quroli
Tiếng Việt: Vũ khí hạt nhân
吴语: 核武器
中文: 核武器
Bân-lâm-gú: He̍k-chú bú-khì
粵語: 核武