Kushambadza (Advertising; selling; hawking) zvinoreva kusvitsa mashoko kuvanhu pamusoro pechiitiko chichaveko nechinangwa chokuti vanhu vazive vagosvika pachiitiko ichi. Kushambadza kunoitwa kuti vakwezve vatengi vezviri kutengeswa.
Hugaro paSherufu (Shelf Life) zvinotaurwa pamusoro pezvinhu zvinotengeswa zvakadai sezvidyo kana mishonga kuchireverwa nguva yazvinokwanisa kugara zvisati zvashata kana kuwora. Sokuti chingwa chine hugaro pasherufu kwemazuva maviri, chakadarika ipapo chinenge chashata kunze kwekunge chakachengetwa mufiriji. Mafuta ekubikisa ane hugaro pasherufu kwemwedzi yakati kuti asati ashata. Mune dzimwe nyika nguva ye hugaro pasherufu inotarwa nemitemo yenyika.