Kubvisa nhumbu

Kubvisa nhumbu
Tsanangudzo uye kumwe kunowanika mashoko
ICD/CIM-10 04 04
ICD/CIM-9 779.6 779.6
DiseasesDB 4153
MedlinePlus 002912

Kubvisa nhumbu ndiko kugumiswa kwe nhumbu zvichiparirwa nekuita zvekubvisa kana kubudiswa mu dumbu kwe mwana kana kasvava nguva isati yakwana yekuti anogona kuzviraramira ari kunze kwedumbu. Nhumbu inogona kubvisika yega uye izvi zvinowanzonzi kupfupfudzika. Munhu anoita izvi achida hake anonzi abvisa nhumbu. Mashoko ekuti kubvisa nhumbu anonyanya kureva kubvisa nhumbu munhu achida hake. Izvi zvinogona kuitwawo panguva yekuti mwana anogona kuzviraramira ari kunze kwedumbu kana kuti " kubvisa nhumbu inenge yakura". [1]

Vezvokurapa vanhasi vanoshandisa mishonga kana oparesheni senzira dzekubvisa nadzo nhumbu. Mishonga miviri inoti mifepristone uye prostaglandin inonyatsoshanda sezvinongoita oparesheni pa danho rekutanga. [2] [3] Nepo mishonga ichigona kushandiswa zvakare pa danho rechipiri, [4] oparesheni inzira isina zvakawanda zvainozokonzeresa. [3] Nzira dzekudzivirira nadzo pamuviri, kusanganisira mapiritsi uye koiri rinopfekerwa muchibereko zvinogona kutotanga kushandiswa panongobviswa nhumbu. [3] Zvinonzi kubvisa nhumbu mu nyika dzakabudirira kwava nenguva yakareba kuchizivikanwa se marapiro asina ngozi kana zvichitenderwa ne mutemo wemunharaunda. [5] [6] Nhumbu dzinenge dzabviswa zvakanaka hadzipariri kurwara pfungwa kana mamwe matambudziko pamunhu. [7] Sangano re World Health Organization rinokurudzira kuti mabvisiro aya asina ngozi uye epamutemo awaniswe vakadzi vese pasi rese. [8] Zvisinei, gore negore kubvisa nhumbu zvine ngozi kunoparira nzufu 47 000 kufa kwevakadzi vane nhumbu [7] uye 5 miriyoni vanoiswa muchipatara. [9]

Zvinofungidzirwa kuti nhumbu dzinokwana 44 miriyoni dzinobviswa gore negore pasi rose, uye dzinoda kusvika hafu dzacho dzinobviswa zvine ngozi. [10] Uwandu hwenhumbu dzinobviswa hauna kunyanya kuchinja pakati pa2003 na2008, [10] zvichitevera makumi emakore huchidzika nechikonzero chekudzidziswa zvakawedzerwa kwevanhu nezve kuronga mhuri uye nzira dzekudzivirira nadzo kubata pamuviri. [11] Template:As of Kubvira 2008, 40 muzana yevakadzi pasi rese vakava nemikana yekubvisa nhumbu zviri pamutemo "vasingabvunzwi chikonzero". [12] Zvisinei, paurefu hwenguva yenhumbu, pane nguva yekuti zvinenge zvisisaiti kuti nhumbu yacho ibviswe. [12]

Kubvisa nhumbu kune nhoroondo yakareba. Pane nzira dzakasiyana-siyana dzaishandiswa, kusanganisira mishonga yemakwenzi, maturusi akapinza, kukuvara zvakaipisisa, uyewo nzira dzechinyakare zvakabvira kare kare. [13] Mitemo ine chekuita nekubvisa nhumbu, yekuti dzinobviswa kangani, neyetsika uye manamatiro zvinosiyana-siyana pasi rese. Mumwe macho, kubvisa nhumbu kuri pamutemo zvichitsamira pane zvinenge zvaikonzeresa, sezvakaita makunakuna, kubatwa chibharo, matambudziko ane chekuita nemwana ari mudumbu, mamiriro ezvinhu emari nemagariro, uye kuva pangozi kweutano hwamai. [14] Munzvimbo dzakawanda dzepasi pane kusawirirana kweruzhinji nezvetsika, kururama, uye kuva pamutemo kwekubvisa nhumbu. Vaya vanopikisa kubvisa nhumbu vanowanzotaura kuti kasvava kana mwana munhu ane kodzero yekurarama saka vakawanda vanoti kubvisa nhumbu kuponda. [15] [16] Vaya vanotsigira kodzero dzekubvisa nhumbu vanosimbisa kodzero yemukadzi yekusarudza panyaya dzine chekuita nemuviri wake [17] uye vanosimbisawo kodzero dzevanhu vese. [8]

  • kunowanika mamwe mashoko

Kunowanika mamwe mashoko

  1. Grimes, DA; Stuart, G (2010). "Abortion jabberwocky: the need for better terminology". Contraception 81 (2): 93–6. 20103443. 10.1016/j.contraception.2009.09.005. 
  2. Kulier, R; Kapp, N; Gülmezoglu, AM; Hofmeyr, GJ; Cheng, L; Campana, A (Nov 9, 2011). "Medical methods for first trimester abortion.". The Cochrane database of systematic reviews (11): CD002855. 22071804. 10.1002/14651858.CD002855.pub4. 
  3. 3.0 3.1 3.2 Kapp, N; Whyte, P; Tang, J; Jackson, E; Brahmi, D (Sep 2013). "A review of evidence for safe abortion care.". Contraception 88 (3): 350–63. 23261233. 10.1016/j.contraception.2012.10.027. 
  4. Wildschut, H; Both, MI; Medema, S; Thomee, E; Wildhagen, MF; Kapp, N (Jan 19, 2011). "Medical methods for mid-trimester termination of pregnancy.". The Cochrane database of systematic reviews (1): CD005216. 21249669. 10.1002/14651858.CD005216.pub2. 
  5. Grimes, D. A.; Benson, J.; Singh, S.; Romero, M.; Ganatra, B.; Okonofua, F. E.; Shah, I. H. (2006). "Unsafe abortion: The preventable pandemic" (PDF). The Lancet 368 (9550): 1908–1919. 17126724. 10.1016/S0140-6736(06)69481-6. 
  6. Raymond, EG; Grossman, D; Weaver, MA; Toti, S; Winikoff, B (Nov 2014). "Mortality of induced abortion, other outpatient surgical procedures and common activities in the United States.". Contraception 90 (5): 476–479. 25152259. 10.1016/j.contraception.2014.07.012. 
  7. 7.0 7.1 Lohr, P. A.; Fjerstad, M.; Desilva, U.; Lyus, R. (2014). "Abortion". BMJ 348: f7553. 10.1136/bmj.f7553. 
  8. 8.0 8.1 Organization, World Health (2012). Safe abortion: technical and policy guidance for health systems (2nd ed. ed.). Geneva: World Health Organization. p. 8. ISBN  9789241548434. 
  9. Shah, I.; Ahman, E. (December 2009). "Unsafe abortion: global and regional incidence, trends, consequences, and challenges" (PDF). Journal of Obstetrics and Gynaecology Canada 31 (12): 1149–58. 20085681. 
  10. 10.0 10.1 Sedgh, G.; Singh, S.; Shah, I. H.; Åhman, E.; Henshaw, S. K.; Bankole, A. (2012). "Induced abortion: Incidence and trends worldwide from 1995 to 2008" (PDF). The Lancet 379 (9816): 625–632. 22264435. 10.1016/S0140-6736(11)61786-8. 
  11. Sedgh G, Henshaw SK, Singh S, Bankole A, Drescher J (September 2007). "Legal abortion worldwide: incidence and recent trends". Int Fam Plan Perspect 33 (3): 106–116. 17938093. 10.1363/ifpp.33.106.07. 
  12. 12.0 12.1 Culwell KR, Vekemans M, de Silva U, Hurwitz M (July 2010). "Critical gaps in universal access to reproductive health: Contraception and prevention of unsafe abortion". International Journal of Gynecology & Obstetrics 110: S13–16. 20451196. 10.1016/j.ijgo.2010.04.003. 
  13. Joffe, Carole (2009). "1. Abortion and medicine: A sociopolitical history" (PDF). In MPaul, ES Lichtenberg, L Borgatta, DA Grimes, PG Stubblefield, MD Creinin. Management of Unintended and Abnormal Pregnancy (1st ed.). Oxford, United Kingdom: John Wiley & Sons, Ltd. ISBN  Archived from the original on 21 October 2011. 
  14. Boland, R.; Katzive, L. (2008). "Developments in Laws on Induced Abortion: 1998–2007". International Family Planning Perspectives 34 (3): 110–120. 18957353. 10.1363/ifpp.34.110.08. 
  15. Pastor Mark Driscoll (18 October 2013). "What do 55 million people have in common?". Fox News. Retrieved 2 July 2014. 
  16. Dale Hansen (18 March 2014). "Abortion: Murder, or Medical Procedure?". Huffington Post. Retrieved 2 July 2014. 
  17. Sifris, Ronli Noa (2013). Reproductive Freedom, Torture and International Human Rights Challenging the Masculinisation of Torture.. Hoboken: Taylor and Francis. p. 3. ISBN  9781135115227. 
Other Languages
Afrikaans: Aborsie
aragonés: Alborto
العربية: إجهاض
مصرى: اجهاض
asturianu: Albuertu
azərbaycanca: Abort
башҡортса: Аборт
žemaitėška: Abuorts
беларуская: Аборт
беларуская (тарашкевіца)‎: Аборт
български: Аборт
বাংলা: গর্ভপাত
bosanski: Pobačaj
català: Avortament
کوردی: لەبەرچوون
čeština: Interrupce
Cymraeg: Erthyliad
dansk: Abort
Zazaki: Kurtaj
Ελληνικά: Έκτρωση
English: Abortion
Esperanto: Aborto
español: Aborto
eesti: Abort
euskara: Abortu
فارسی: سقط جنین
suomi: Abortti
føroyskt: Fosturtøka
français: Avortement
Frysk: Abortus
Gaeilge: Ginmhilleadh
galego: Aborto
Avañe'ẽ: Membykua
हिन्दी: गर्भपात
Fiji Hindi: Abortion
hrvatski: Pobačaj
Հայերեն: Վիժում
interlingua: Aborto
Bahasa Indonesia: Gugur kandungan
Ilokano: Alis
íslenska: Fóstureyðing
italiano: Aborto
ᐃᓄᒃᑎᑐᑦ/inuktitut: ᐃᓄᐃᑎᑦᑐᖅ
日本語: 妊娠中絶
Patois: Abaashan
Basa Jawa: Aborsi
ქართული: აბორტი
Kabɩyɛ: Avortement
қазақша: Аборт
한국어: 낙태
Кыргызча: Аборт
Latina: Abortus
Lëtzebuergesch: Ofdreiwung
Limburgs: Abortus
lumbaart: Abort
lietuvių: Abortas
latviešu: Aborts
मैथिली: गर्भपतन
Malagasy: Fanalan-jaza
македонски: Абортус
മലയാളം: ഗർഭഛിദ്രം
монгол: Аборт
मराठी: गर्भपात
Bahasa Melayu: Pengguguran
Malti: Abort
नेपाली: गर्भपतन
Nederlands: Abortus
norsk nynorsk: Abort
norsk: Abort
occitan: Avortament
ଓଡ଼ିଆ: ଗର୍ଭପାତ
ਪੰਜਾਬੀ: ਗਰਭਪਾਤ
Kapampangan: Abortion
polski: Aborcja
Piemontèis: Abòrt
پنجابی: ابورشن
português: Aborto
Runa Simi: Sulluchiy
română: Avort
русский: Аборт
русиньскый: Аборт
srpskohrvatski / српскохрватски: Abortus
සිංහල: ගබ්සාව
Simple English: Abortion
slovenčina: Interrupcia
slovenščina: Splav
српски / srpski: Побачај
svenska: Abort
Kiswahili: Utoaji mimba
తెలుగు: గర్భస్రావం
Türkmençe: Abort
Tagalog: Pagpapalaglag
Türkçe: Kürtaj
татарча/tatarça: Аборт
українська: Аборт
oʻzbekcha/ўзбекча: Abort
Tiếng Việt: Phá thai
Winaray: Punit
ייִדיש: אבארטאציע
Yorùbá: Ìṣẹ́yún
中文: 堕胎
Bân-lâm-gú: Thu̍t-the
粵語: 落仔