Hukwidza

Muchidzidzo chePimanyika, tsangudzo dzinotevera dzinopihwa maererano nekupimwa kwenhambwe.

Hurefu (length) - shoko iri rinoreva kureba kwenzvimbo kana ichipimwa. Kana tiri kuMasvomhu, hurefu hunoshandiswa kududza divi rakanyanya kureba kudarika mamwe.

Hwasha (width) - shoko iri rinoreva kupamhama kwenzvimbo kana ichipimwa

Hudzamu (depth) - shoko rinoreva kudzika kwenzvimbo kana ichipimwa. Shoko iri rinoshandiswa kududza kupimwa kwenhambwe zvichitevedza rudzivo rwekudzika pasi.

Hukwidza (height, altitude) - iri shoko rinonyanya kushandiswa kududza kupimwa kwenhambwe zvichitevedza rudzivo rwekuenda mudenga. Somuenzaniso tingataura hukwidza hwendenge iri kubhururuka kana chivakwa chemudurikidzanwa. Mukutaura kwamazuva ose tinoti chinhu chiri pakakwirira kana pakaderera, muzvidzidzo zveScience zvakafanira kuti titaure pamusoro pehukwidza.

Mipimo yose yataurwa pamusoro inoshandisha chiyero chenhambwe chinonzi mita (metre).

  • mitauro yebantu

Mitauro yeBantu

  • Izwi rokuti chimo (stature, size, height, volume, weight, amount, measure) rinotaurwa mururimi rweLenje.
Other Languages
беларуская (тарашкевіца)‎: Вышыня над узроўнем мора
Esperanto: Supermara alteco
한국어: 해발고도
മലയാളം: ഉന്നതി
Bahasa Melayu: Atas min aras laut
Plattdüütsch: Hööch över Seepegel
norsk nynorsk: Meter over havet
polski: N.p.m.
srpskohrvatski / српскохрватски: Nadmorska visina
Simple English: Above mean sea level
slovenčina: Metrov nad morom
татарча/tatarça: Diñgez däräcäse östendä bieklek
oʻzbekcha/ўзбекча: Mutlaq balandlik
中文: 平均海拔